Boost

Kana zvinenge zvawanikwa paongororo yepamuromo wechibereko zvichiratidza kuti pane zvisina kujairika, unokokwazve kuti vaongorore zvakare muromo wechibereko vachishandisa mishina . Vanokwanisa kuona pane masero eropa remuviri asina kujairika uyezve nemushonga unenge wakanyatsofanira kwauri.

Zvichienderana nemamiriro ezvinhu pauri, mishonga yaunozopihwa inenge yakasiyana. Kazhinji inosanganisira kubviswa or kuparadzwa kwemasoja emuviri anenge asina kujairika. Mushure mekunge masoja emuviri aya asina kujairika abviswa, haazokwanisi kutanga kuita gomarara- saka unokwanisa kuenderera mberi neupenyu pasina dambudziko

Kazhinji masoja emuviri anenge asina kujairika  anogona kubviswa pasina kuvhiyiwa. Vana chiremba vanokwanisa kushandisa waya itete ine tumagetsi tushoma kubvisa masoja emuviri asina kujairika. Vachishandisa inonzi 'speculum' pachirungu, waya inopinzwa munhengo yesikarudzi. Chirongwa ichi chakachengetedzeka uye kazhinji chinongotora maminitsi gumi nemashanu kuti chipere. Unokwanisa kuenda kumba mushure mechirongwa, asi takura tauro reutsanana pauri, sezvo pachigona kuzoita kubuda kweropa pekutanga. Kuti udzivirire kutapurirana, zvinokurudzirwa kuti usashandise 'tampon' kana kumirira mavhiki mana musati maita bonde mushure mechirongwa.

Imwe nzira ndeyekuparadza masoja emuviri aya nekumapisa kana kumaomesa. Izvi zvinokwanisa kuitwa neinonzi 'laser' kana 'probe' inopisa kana kutonhora. Marapiro aya anoita seanotyisa asi akatwasanuka chose saka haufaniri kunetsekana. Unokwanisa kunzwa tumarwadzo, sezvaunongonzwa kana uri kumwedzi. Zvichinge zvapera, unokwanisa kuenda kumba.

Chinangwa cheongororo yemuromo wechibereki ndechekuti tikwanise kuona masero akakanganisika gomarara rechibereko risati ratanga. Izvi zvinoreva kuti unoenda kuongororo uchiri mutano uye usamirire kuti zviratidzo zvitange kuoneka.

Zvisinei, kana uchinge waona zviratidzo zvinotevera, unofanira kutaura nevezveutano.

a) kubuda ropa kusina kujairika panhengo yesikarudzi

b) marwadzo kana kusagadzikana panguva yebonde

c) kuchinja kwemvura dzinobuda munhengo yesikarudzi

d) marwadzo pamapfupa ari pakati pemakumbo

Apo izvi zvirizvo zvimwe zviratidzo zvekutanga zvegomarara rechibereko, zvinogonazve kuve zviratidzo zvezvimwewo zvirwere zvehutano, saka zvakanaka kuti utaure nevezvehutano kana uchinge waona zvinenge zvachinja pauri.