Chii chinonzi 'blesser'? kudanana uku kunogona kuita kuti ndinyanye kuve panjodzi yeutachiona hweHIV here?
‘Blesser' izwi rinowanzo shandiswa kutsanangura hukama apo mumwe anopa mumwe zvipo kana mari, kazhinji kacho kuchinjana kuita bonde. Unogona kunge wakanzwa mazwi akadai sekuti 'sugar daddy' kana 'sugar mamma' kuvatsanangura.
Kunyange zvazvo munhu wese aine kodzero yekusarudza kudanana nevavanoda, nyatsofunga nezvekuva ne 'blesser', sezvo kudanana uku kunogona kunyanya kuoma uye kunogona kuve nenjodzi dzausingazive. Somuenzaniso:
1. Kana mumwe munhu akakupa mari, unganzwa sokuti une chikwereti navo. Kunzwa kunge uine chikwereti kune mumwe munhu kunogona kukusiya uchinzwa kusagadzikana nezvinhu zvavanenge vakukumbira. Kana vakakukumbira kurara pasina kondomu, unogona kunzwa usingakwanisi kuramba. Nesimba shoma rekusarudza bonde raunoda, unogona kunge uri panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV. Yeuka, nguva dzose unofanira kukwanisa kuramba zvinhu zvinoita kuti unzwe kusagadzikana.
2. Mablesser kazhinji vakura. Izvi zvinowanzoreva kuti vane nevadiwa vakawanda. Nekuda kweizvi vanogona kunge vatova nenjovhera yavanogona kutapurira vamwe. Ichi ndicho chimwe chezvikonzero chinoita kuti uve nemablesser kunogona kuwedzera njodzi yako yekutapurirwa utachiona hweHIV.
3. Mablesser anogona kunge achidanana nevamwe. MaBlesser ane mukana wekunge akaroora kana kudanana nevamwe. Kana iwe ne/kana blesser rako muchiona vamwe vanhu munofanira kuona kuti mashandisa makondomu kana dzimwe nzira dzekudzivirira. Kuwanda kwevanhu vauri kurara navo ndiko kunowedzera njodzi yako yekutapurirwa utachiona hweHIV.
Ndinobatsira sei munhu ari murudo husina hutano?
Mamiriro ezvinhu aya anogona kuoma. Haufanire kunge uine mhinduro dzese, asi zvakakosha kuti munhu azive kuti iwe uripo uye kuti uchamutsigira.
Kana uchifungidzira kuti mumwe munhu waunoziva angangove ari murudo rusina hutano, tsvaga nzira yakapfava yekumubvunza nezvazvo. Kazhinji vanhu vari murudo hwakaipa vanoona zvakaoma kutaura nezvazvo nevamwe vanhu. Vanofunga kuti neimwe nzira imhosva yavo kana kuti vanonzwa vachinyara pamusoro pemabatirwo avanoitwa. Ukataura zvinhu zvakaita sekuti 'Wakanaka here?' kana kuti ‘Pane chauri kuda kutaura neni nezvechimwe chinhu here? Zvicharatidza munhu wacho kuti une hanya uye unoda kumuteerera.
Zvakakosha kuti utore mumwe munhu zvakadzama kana akakuudza zvinonetsa murudo rwake. Rega kutaura zvinhu zvinogona kuratidza kuti imhosva yavo, semuenzaniso: “Chii chawakaita kuti mumwe wako azvibate zvakadaro?" Iwe unofanirwawo kudzivisa kutaura zvinhu zvinoita kuti zviratidzike sekuti hauzvitendi, semuenzaniso. kubvunza kuti "asi sei vakadaro?" Kuita kuti mumwe munhu akuteerere uye akutendeseke zvakakosha paunenge uchitsvaga zvekuita nezvekudanana kusina hutano.
Sarudzo yekusiya kufambidzana ichava yemunhu iyeye nguva dzose. Haugoni kumanikidza mumwe munhu kusiya rudo hwakaipa. Kusiya munhu anotonga kana kushungurudza kunogona kutyisa zvikuru. Zvakakosha kuti munhu wacho ave nerutsigiro rwakakwana, kunyanya kana achityira kuchengetedzeka kwake. Kana zviri izvo zvavanofunga kuti vanoda kuita, zviri nani kana vamwe vanhu vachibatanidzwa, kuitira kuti pamwe chete mubatsire kuchengetedza munhu wacho. Vakurudzire kuti vaone vamwe vanhu vavanovimba navo uye vavanofarira kutaura navo. Haufanire kuvatsigira wega. Zvinobatsira kana munhu ane masimba achiziva, akaita semubereki, mupurisa, sabhuku kana mushandi wezveutano.
Zvachengetedzeka here kusangana nevanhu padandemutande?
Ukaenda padandemutande paFacebook, WhatsApp kana mamwe madandemutande, pane mikana yakawanda yekusangana nevanhu vausingazive muhupenyu. Izvi zvinogona kureva kuti unogona kuita mashamwari nevamwe vanhu vane zvavaunofarira iwe, asi zvinogona zvakare kuve chimwe chinhu chekungwarira, sezvo kusangana nevanhu padandemutande kunogona kuve nenjodzi.
Kuti kune marudzi ese evanhu vakasiyana padandemutande uye havasi vese vataura zvavari. Zviri nyore kwazvo kuva nezita remanyepo, mufananidzo uye nhoroondo yehupenyu. Vamwe vanhu vanogona kunge vachishandisa dandemutande nechinangwa chakaipa. Hazvina chengetedzeka kusasangana nevanhu muhupenyu chaihwo vawangotaura navo pandemutande. Kana ukasarudza kusangana nemunhu wawakasangana naye padandemutande, tevedzera mitemo iyi:
1. Sarudza nzvimbo yeruzhinji yekusangana naye, semuenzaniso mekudyira mogara vanhu vakawanda
2. Huya neshamwari kana mumwe munhu waunoziva
3. Iva nechokwadi chokuti vamwe vanhu vanoziva kwauri kuenda, nguva yaunotarisira kudzoka uye kuti vagona sei kukubatasei.
Kana iwe ukawana pfungwa yokuti chimwe chinhu chingave chisina kumira zvakanaka, teerera mapfungwa dzako. Zvakakoshawo kuyeuka kuti zvakaoma kudzora ruzivo rwaunogovera padandemutande. Kana usinga fariri munhu wese achiona chimwe chinhu, saka usachiise pandemutande, kunyangwe uchifunga kuti uri kugovera nemunhu waunovimba naye.
Chii chinonzi kumbunyikidzwa pabonde nekushungurudzwa kwevanhukadzi/vanhurume?
Kumbunyikidzwa pabonde kana kushungurudzwa kwevakadzi/varume (SGBV) imhirizhonga inoitika kune munhu nekuda kwekuti mudzimai kana kuti munhurume. Izvi zvinoreva kumanikidza munhu kuita chinhu chaasiri kuda, kunyangwe pasiri kushandiswa chisimba, kuburikidza nekunyengedza, kutyisidzira, kunyepera, kumanikidza kana kushandisa mari. Kunyangwe vanhu vazhinji vanosangana neSGBV vari vasikana nevakadzi, varume nevakomana vanogona kusangana neSGBV zvekare.
SGBV inogona kuitika kune vanhu vanodanana (vaviri ava vanogona kuve mukadzi nemurume kana kuti vanogona kunge vese vari vakadzi kana varume) uye inogona kuitika mumhuri. SGBV inogona kuitika munharaunda, kuchikoro uye kubasa, kana munzvimbo dzekutandarira
Ndezvipi zvinhu zvinoratidza kuti mhirizhonga yeSGBV iri kuitika kuvanhu vanodanana?
SGBV inogona kuitika nenzira dzakasiyana kune vanhu vanodanana.
Nzira idzi dzinosanganisira:
• Kumbunyikidzwa pabonde: Zvinhu zvese zvine chekuita nepabonde zvaedza kuitwa kumunhu kana zvamanikidzwa munhu kuti aite pasina kutenderana. Kumbunyikidzwa kwepabonde kunosanganisira kubatwa chibharo, kushungurudzwa kana kutyisidzirwa pabonde, kumanikidzwa kuenda pabonde uye kumanikidza munhu kuti aende pabonde nevamwe. Zvinogona kuitika kune vanhu vakawanana, kunyanya apo panenge pasina kuwirirana.
• Kukuvadzwa panyama: Kurohwa, kurohwa nezvibhakera,kudzipwa kana kuurayiwa kunowanzofambirana nemhando dzeSGBV dzisingakuvadze dzinosanganisira kushungurudzwa mumoyo nemupfungwa.
• Kushungurudzwa mumoyo nemupfungwa: Kumbunyikidzwa kusineyi nezvepabonde asi kushandiswa kwemazwi anotuka kana anodzikisira mumwe munhu. Kumbunyikidzwa uku kunosanganisira kuparadzanisa munhu neshamwari kana hama dzake.
• Mhirizhonga yemagariro nehupfumi: Kurambidza munhu kuita chinhu munharaunda. Izvi zvinosanganisira kumurambidza kunorapwa, kuenda kuchikoro nekuenda kubasa.
Ndezvipi zvinhu zvinoratidza kuti munharaunda mune SGBV?
SGBV inogona kuitika kune vanhu vanodanana kana mumhuri. Inogona kuita zvekare mumagariro kuburikidza netsika dzinoitwa nevanhu vazhinji dzinoonekwa sedzakanaka munharaunda.
Zvinhu zvakashata zvinowanzoitwa zvinokonzera SGBV zvinosanganisira:
• kuchecheudzwa kwevanhukadzi
• Kuuraya sechiratidzo chekupa ruremekedzo
• Kuroodza vana vadiki (Kuroorwa kwemwana ari pasi pemakore gumi nemasere, kunyanya kumunhu mukuru)
• Kumanikidzwa kuroora/kuroorwa (Muchato unomanikidzwa munhu asingade)
• Kumanikidzwa kuita chipfambi kana kumanikidzwa kuenda pabonde
Ndeapi mazwi anogona kushandiswa pachinzvimbo chekushandisa izwi rekuti SGBV?
Mhirizhonga mudzimba imwe mhando yeSGBV. Mhirizhonga iyi inosanganisira kurohwa, kubatwa chibharo, kushungurudzwa mupfungwa, kutukwa kana kunyimwa mari kunoitika mumhuri. Zvinogona kuitwa nehama dzinogara mumba imwechete kana kuti mudzimba dzakasiyana.
Mhirizhonga pakati pevanhu vanodanana ndeimwe mhando yeSGBV inoitika kune vanhu vakaroorana kana varikufambidzana.
Ndezvipi zvinhu zvinoratidza kuti munhukadzi/munhurume ari kushungurudzwa kana kuti ari kumbunyikidzwa pabonde?
Zvakakosha kuti veutano vakwanise kuona kuti munhu ari kumbunyikidzwa kana kuti ari panjodzi yekumbunyikidzwa.
Zvinhu zviri pazasi zvinoratidza kuti munhu anogona kunge achishungurudzwa.
Vanenge:
• vane zvichemo zvisina tsanangudzo kana zvisina kujeka
• vane mavanga anooneka kuti ari pamatanho ekupora akasiyana
• vane mavanga nemabhonzo akatyoka
• vachinetseka kufamba kana kugara
• vachirwadziwa kana kuvaviwa pasikarudzi uye vachiratidza kuti vanogona kuve nezvirwere zvepabonde
• vachiratidza kutya kana kushushikana zvakanyanya, kushaya hanya, kusuwa zvakanyanya kana kufunga kuzviuraya.
• Vachizvikuvadza kuburikidza nekuzvicheka kana kuputa nekunwa zvinodhaka.
• vachitadza kuita chinhu chimwe chete panguva
• vachitya kuenda kumba kana kutya kushaikwa pamba kwenguva yakareba
• vasingazviremekedze, vachizvitarisira pasi uye vachiwanzokumbira ruregero pane zvavanotaura kana kuita
• vasingavimbe nevamwe
• vasina shamwari kana vachishaya nguva nemhuri kana vanhu vavasingadanane navo
• vachishaya hope kana kuvhumuka vakarara
• vachirovha kuchikoro kana kubasa uye havaite zvinhu zvavanenge varonga kuita
• vachigara vaine mudiwa wavo nguva dzese, kana kuti vanowanzovafonera kana vane vamwe vanhu Kana uchifungidzira kuti munhu ari kusangana neSGBV, tsvaga rubatsiro kubva kuvana mazvikokota vari pedyo vanobatsira vanhu vari kusangana neSGBV. Munhu wauri kubatsira anofanira kuenda kune vanhu vane ruzivo nehunyanzvi hwekubatsira voudzwa zvavanofanira kuita. Kuedza kubatsira munhu uri wega pasina vana mazvikokota kunogona kuvaisa panjodzi yakanyanya kupfuura yavagari vari mairi.
Ndeipi mibvunzo yandinogona kubvunza kuti ndinzwisise kuti munhu ari panjodzi yeSGBV here?
Mibvunzo yaunogona kubvunza kuti uzive kuti munhu ari panjodzi yeSGBV here muwanano yake inosanganisira:
• Mudiwa wako anokufadza here kwekanguva obva akutsamwira munguva inotevera?
• Ane shanje uye haadi newe here?
• Anokuudza zvekupfeka, kwekuenda uye wekuona here?
•Anowanzokuzvidza kana kuita kuti uzvitarisire pasi here?
• Anokunyepera kana kuti anoita kuti usave nechokwadi nemaonero ako here?
• Anokutongera mashandisiro aunoita mari yako kana kuti anoita kuti umukumbire zvekushandisa zuva nezuva here?
•Anokumanikidza kuenda pabonde usingade here?
• Unogara uchironda zvaunoita kana mazwi aunotaura kuti usamutsamwise here?
• Anokutongera mashandisiro aunoita runhare, mushonga waunomwa, kana zvaunodya here?
• Anoronda mafambiro ako uye mameseji ako here?
• Unomutya here?
Kana vakakupa mhinduro inoita kuti ufunge kuti vari kumbunyikidzwa, vakurudzire kuti vatsvage rubatsiro kuna mazvikotota ari munharaunda menyu.
Zvinogona kurema kuita hurukuro idzi uye munhu ari kusangana neSGBV anogona kusada kutaura nezvazvo. Anogona kunge aasingatozive kuti ndizvo zviri kuitika kwaari, ndokusaka zvakakosha kuti kuti uone kana zviratidzoizvi zviripo.