Boost

Makondomu anovimbika  nawo zvikuru kana ukaashandisa zvakanaka. Zvisineyi, kana kondomu rikatsemuka, edza kusavhunduka - tevera matanho ari nyore aya:

1. Bvisa nhengo yacho nekukurumidza
2. Usageze mukati meburi retsvina kana musikarudzi yemukadzi sezvo inoparadzira utachiona
3. Enda kunzvimbo yezvehutano kuti uwane kudzivirira pamuviri kana post-exposure prophylaxis (PEP)
4. Ongororwa utachiona hweHIV nenjovhera

Kuti kondomu risatsemuke, iva nechokwadi chokuti wakaripfeka zvakanaka, washandisa mafuta okuzora ane mvura, uye shandisa kondomu rimwe chete panguva yega yega

Akashandiswa nemazvo, makondomu haatadze kushanda. Asati atengeswa, makondomu anoenda kunoongororwakuti akasimba. Izvi zvinoreva kuti vanoagadzira vanoaongorora kuti vaone kuti azadzisa here zvinodiwa kuti akupe nedziviriro inodiwa. Kana risati rapfuura zuva rekushanda, hapafanirwe kunge paine chakaipa pakondomu. Zvisinei, zviri nani kutenga makondomu kubva kumhandoyakanaka kana vatengesi vaunovimba navo.

Kuti makondomu ashande zvaknaka, unofanira:
1. mashandise pese paunosangana pabonde

2. zvipfekedze usati watanga bonde
3. gara wakaripfeka nguva yese yauri kuita bonde
4. tevera mirairo yemashandisirwo emakondomu nemazvo.


Makondomu anoshanda zvakanaka kune marudzi ese ebonde uye unogona kuwedzera kushanda kwavo nekuzora mafuta. 

Sarudzo yekushandisa kana kusashandisa kondomu ndeyekuti muite mese muri vaviri. Zvinogona kuitika zvikonzerwa nezvinhu zvakawanda, semuenzaniso, kana uine huwandu hwehutachiwana husingaoneki, kana mudiwa wako achida kunwa PrEP, kana mumwe wenyu ari kurara nemumwe munhu, uye kana muchironga mhuri. Pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvinogona kukanganisa sarudzo yenyu. Zvakakosha kuti hapana mumwe wenyu anonzwa kumbunyikidzwa kuita chimwe chinhu chaasina kugadzikana nacho. Haufanire kurega kushandisa kondomu kuratidza kuti unoda kana kuvimba nemumwe wako, pane dzimwe nzira dzakawanda dzekuratidza kuti une han'na naye.

Usati warega kushandisa makondomu, unofanira kuva nechokwadi chokuti une hutachiona husingaoneki kana kuti mudiwa wako ari kutora PrEP (kana kuti zvose). Munofanirawo kuvhenekwa njovhera uye kana musati magadzirira kuva nemwana mungada kufunga nezvedzimwe nzira dzekudzivirira nadzo pamuviri. Rangarirai kuti makondomu ndiwo chete anodzivirira kubata pamuviri uyezve anodzivirira utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.