Boost

Infant prophylaxis (kana kuti kuvandudzwa kwepostnatal prophylaxis) imhando yePEP inogona kupihwa kuvacheche kuderedza mukana wekuti vabatwe utachiona hweHIV. Infant prophylaxis inopihwa kuvana chete vari panjodzi yekutachiona. Zvichisanganisira madzimai akawana utachiona hweHIV panguva yekuzvitakura kana kuyamwisa, vaka nononoka kubatwa chirwere kana kuti vakatadza kutevedzera mitemo uye vane uhwandu hwehutachiona hwakanyanya.
Vana vazhinji vachapihwa musanganiswa wezuva nezuva wezidovudine (AZT) nenavirapine (NVP) kwemavhiki matanhatu mushure mekuzvarwa. Kune vacheche vari kuyamwisa izvi zvichaenderera mberi kwemamwe mavhiki matanhatu neAZT neNVP kana NVP chete.
Pashure penguva iyi uhwandu hwehutachiona hwaamai hunofanira kudzikira zvakakwana kuti mwana arambe achidya, asingade chero dziviriro yakawedzerwa.
Zvakakosha kuti kana mwana angomira infant prophylaxis kuti asaitanga zvakare, kunyange kana uhwandu hwehutachiona hwaamai huchiwedzera. Pane kudaro anofanira kuwana rutsigiro rwevashandi vezvehutano kuti vatevedzere kurapwa uye kukunda chero zvipingamupinyi mukutevedzera. 

Uropi hwemwana hunokura nekukurumidza zvikuru mumazuva chiuru ekutanga mushure mekuzvarwa (anenge makore matatu ekutanga). Vacheche vanokura zvakanyanya kana vaine zvinhu zvese zviri pasi apa.


1. Utano - hutano husina kunaka hunogona kukanganisa kukura kwemwana. Kuve nechokwadi chekuti vane zvavanoda kuti varambe vaine hutano, kusanganisira kubaiwa majekiseni uye kurapwa kwehurwere hupi zvahwo hunova nechokwadi chekuti hutano husina kunaka haudzosere kukura kwavo.

2. Zvokudya zvinovaka muviri - mwana wako anoda chikafu chakakodzera kuti akure. Mukaka wezamu unokwanisa kupa vacheche kudya kwese kwavanoda kuti vakure mumwedzi mitanhatu yekutanga. Unogona kusarudza kuyamwisa kwenguva yakareba kupfuura iyi.
3. Dziviriro - nharaunda dzakachengetedzeka nedzinosimudzira kukura, uko vana vanopihwa rudo rwakawanda kubva kumhuri dzavo ndidzo dzakanakira kukura kwavo. Kuita mhirizhonga, kuregeredzwa kana kukakavadzana kunogona kuderedza kugona kwemwana kukura zvine hutano.
4.  Kuchengeta kunoteerera - kutamba uye kutaurirana kunobatsira kukura kwemwana. Zvakakosha kuti vana vacheche vawane rubatsiro rwekuchengetwa rwavanoda kubva kuvanhu vakuru. Kunyemwerera, kutarisa maziso, kutaura uye kuimba zvese zvinobatsira mwana wako kuti adzidze uye akure.

5. Kudzidza kwepakutanga-kana vana vakura zvakakosha kuti mikana yekudzidza iyi ienderere mberi. Vanofanira kuwana chikoro chekireshi kana dzimwe nzvimbo dzavanogona kudzidza.