Boost

Vanhu vakawanda vanonetsekana nehutano hwepfungwa husina kuita zvakanaka panedzimwe nguva muhupenyu uye matambudziko ehutano hwepfungwa anokonzereswa nezvakawanda.

Hatinyatsozive chaicho chinokonzeresa munhu kusangana nedamb udziko rehutano hwepfungwa.  Kazhinji matambudziko ehutano hwepfungwa anogona kukonzereswa nekungochinja kwematambudziko nezvinoshungurudza muhupenyu hwevanhu. Mamwe matambudziko ehutano hwepfungwa anokonzereswa nematambudziko enguva refu. Kuvanhu vakawanhu kazhinji kacho musanganiswa wezvinhu zvakawanda.

Izvi vinosanganisira:
- Kurasikirwa nemunhu wepedyo
- Kuva nemari kana nyaya dzemba 
- kushaya basa kana kurasikirwa nebasa
- kushungurudwa mukukura kana kusiiwa.
- kushungurudzwa semhirizhonga panyaya dzebonde, kushungurudzwa, kusarudzwa, kunyadziswa kana kurohwa
- kupatsunurwamuvanhu kana kuvawoga 
- kuva nechirwere chomuviri kwenguva

Zvinhu zvakaita sekusadya kana kurara zvakanaka vinogona kukanganisa hutano hwepfungwa. Ndizvowo sekunwa doro kana kutora zvinodhaka, kunyangwe havo kunyanya kutora vinodhaka kazhinji kurituso rehutano hweofungwa hwakashata.

Tsvakurudzo dzinotaura kuti mamwe matambudziko ehutano hwepfungwa anofamba mumhuri. Asi hazvina kujeka kana vichifamba muropa kana zvichikonzerwa nenzvimbo yakakurira munhu and nzira dzekufunga nadzo, dzekurarama nemaitiro anonodzidza kubva kubva kune vakavapoteredza.

Kuchengetedza hutano hwedu hwepfungwa chinhu chatinofanira kuita muhupenyu hwedu hwese.

Kana munhu aine dambudziko pahutano hwepfungwa kana hurwere hwakakura hwepfungwa hapana nguva chaiyo yakatarwa yekuti apore.  Vinoenderana nemunhu nezvaari kusangana nazvo. Mamwe matambudziko ehutano hwepfungwa anopfuura mamwewo anogona kuve ehupenyu hwakareba. Asi zvinogoneka kupora kubva mudambudziko rehutano hwepfungwa uye vanhu vakawan da vanopora mushure mekuwana rubatsiro.

Zvakakosha kurangarira kuti kopera irwendo, uye zvazvingoita noyre. Kune vamwe vanhu kupora hakureve kudzokera kwaive neupenyu hwavo pakutanga, asi kudzidza dzimwe nzira dzekuwana dzekudzora zvinhu zvaivakurira kare.

Vamwe vanhu vane damb udiko rehutano hwepfungwa vanogona kupora asi dambudziko rinozodzoka nguva nenguva. Asi vakawana  nzira dzekujaira kana mishonga zvinovabatsira, vanokwanisa kugadzirisa zvinhu vorarama zvavaimboita.

Haungabatsire munhu kuwana rubatsiro rwekufungisisa kana asingade. Asi unogona kuvazivisa kuti zvakanaka kutsvaga rubatsiro. Dzimwe nguva zvinogona kuoma kuziva zvinofanira kutaura.

Mimwe miono kutanga nhaurirano:
- Ndine hurombo nezvamuri kunwa, uye ndinogona kukubatsirai.
- Muri kuzvigona sei?
- Ndingaitei kukubatsirai nasi?

Munhu wese anoda rubatsiro rwakasiyana, saka bvuna zvavanoona zvinovabatsira. Vamwe vanhu vanoda rubatsiro rwunobatika see kutarisa rubatsiro rwunenge rwuripo, kuenda navo kunoonekwa kana kubatsira kuchengeta vana.  Kuwana nzira dziri nyore kugadzirisa zvinhu zvinonzwikwa sezvakaoma kunogona kubatsira.  Semuenzaniso , unogona kuvabatsira kugadzirisa zvidzidzo zvavo kana hupenyu hwekumba huve nani.

Vechidiki vakawanda vanoona vakaoma kutaura zvavanenge vachinzwa. Ita kuti vazive kuti zvakanaka kutaura kana vachida. Chero chavanenge vataura kwauri, edza kuteerera usinga vatonge. Unogona kuwana zvisinganzwisisike chikonzero munhu arikutada kungobuda mazviri kana kusiya. asi handiwo mashandiro ekufungisisa. Edza kusamanikidzira munhu kuita zvakaita izvakaswatanuka. Vanenge vachizviitira hukasha nekuzvidonongodza kare pachavo.

Kana vasingade kutaura, ivai munoita chimwe chinhu chakanakira kurarama kwavo. Sekumbofamba-famba kana kuita chinhu pamwe chete kana kumbotora nguva muri mese panzvimbo yakanyarara sepamba pavo. Garofambidana kutaura nemnhu wacho nekumuzivisa kuti uripo nguva dzese. Kugadzirisa kufungisisa kwakaoma uye kunotora nguva. saka zvinoda moyo murefu. vakurudzire nekucherechedza uye kurumbidza matanho api avanenge vatora kuchengetedaz hutano hwavo hwepfungwa angav e madiki kana makuru.

Rubatsiro rwenunge rwuripo rwuneenderana nekwaunogara.  Asi nzvimbo yakanaka kutanga nayo kukurudzira wechidiki kutaura naChiremba wake anogona kukwanisa kumubatanida nakanzera kana vamwe vanotsigira hutano hwepfungwa. Vanogona kupa mishonga yakaita sema Anti-depressants kana vachimada.

Unogona kutsvaga pamhepo kuona kana paine nzvimbo kana boka ravangapinda. Dzimwe nzvimbo dzine rubatsiro rwenharaunda sevamwe vanhu vanotsigira vezera ravo, mapoka emunharaunda, iwaya akakosha.

Kuva nehutano hwepfungwa hwakanaka kunoreva kuti nguva dzse munhu anobvuma zvaarib nekuva nehukama hunehutano nevamwe. Munhu anokwaniswa kunakidwa nehupenyu, kudzora mafungiro avo nekugzdzirisa zvinovanetsa nenzira dzakanaka. Anokwanisawo kubatana hwakana muupenyu hwake zuva nezuva, kudzidza zvakanaka, kuenda kub asa nekuchengetedza hutano hwake.

Kune nehutano hwepfungwa hwakashata zvinoreva kuti munhu anenge agarofunga, kunzwa kana kuita nenzira dzakashata pachake nehupenyu hwavo. Vanogaro ane matambudziko pakugadzirisa mifungo yavo nenzira dzakanaka nekunzwa kuwandirwa nevzaanofunga kana kunzwa. Anogona kuzvibvisa kubva kune vamwe semhuri yake neshamwari nekuzvidzikisira.

Kunzwa kushaya tariro, kusabatsira, kusagona kuswatanuka, matambudziko pakurara zvimwewo zviratidzo dzehutano hwepfungwa hwakashata. Mifungo yekuzviuraya kana kuzvikuwadza zviratidzo zvedambudziko  guru rehutano hwepfungwa.

Pane zvimwe zviratidzo zvinoratidza kuti munhu arikunetseka nehutano hwake hwepfungwa. Hazvisi nyore kuona kana wechidiki aine dambudziko rehutano hwepfungwa. Vanogona kuda kusataura nezvavo kana kusatozviona pachavo. Asi ukaona shanduko pamafungiro kana maitiro, kana kuti vachita zvinhu nenzira dzinovakuwadza, zvinogona kuva chiratidzo.