Boost

Izwi rekuti gomarara rinobata zvirwere zvakati wandi zvine hukama zvinokanganisa nhengo dzemuviri dzakasiyana. Pachikamu ichi, mamwe masero anogadzirwa akakanganisika uye achikonzera gomarara.  Nekufamba kwenguva masero egomarara aya anokura achiita zvidutu zviri zvimapundu. Anokwanisa zve kutekeshera achizadza dzimwe nhengo dzmuviri. Masero egomarara anokwanisa kukanganisa nhengo dzemuviri dzaanobata, zvotadzisa muviri wako kuti ushande zvakanaka.

Dzimwe mhando dzegomarara dzinonyanyowanika muvanhu vane hutachiona hweHIV.  Chikonzero ndechekuti chikamu chekuzvidzivirira chine hutano chinoshanda kudzivirira kukura kwemasero akakanganisika. Kana chikamu chokuzvidzivirira chisina simba, somuenzaniso nekuda kwehutachiona hweHIV husina kurapwa, muviri wako haukwanisi kuzvidzivirira.  Kuvanhu vane hutachiona hweHIV, kutora mushonga we'antiretroviral' uye kuchengeta hupenyu hune hutano kunobatsira kudzivivira gomarara.

Kune mhando dzakasiyana dzemishonga yegomarara. Mishonga iyi inoshanda zvakanaka kana kumarara iri rikabatwa nekukurumidza. Unofanira kutaura nemushandi wezvehutano maererano nematambudziko ezvehutano kana zvimwe zvingave zvachinja mumuviri mako, uyezve enda kuongororo dzaunenge wanzi uite. Kna ukaita gomarara, mishonga yaunopihwa inoenderana nepane gomarara, chikamu chairi uye nekuti yatekeshera kune dzimwe nhengo dzomuviri here kana kwete. Mishonga inonyanyoshandiswa pagomarara inoti:  

a)kuvhiyiwa- apo masero anokonzera gomarara anobviswa neoparesheni.  

b)chemotherapy- apo makemikari anonanga masero egomarara kuitira kuti amire kupatsanurana.    

c)radiotherapy-apo panoshandiswa maX-rays ane simba guru kuparadza masero egomarara.

Chiwere cheshuga chirwere chehupenyu hwese chinokanganisa matorero emuviri wako shuga kubva kuchikafu chaunodya. Kana une chirwere cheshuga, unofanira kuita zvinhu zvioita kuti huwandu hweshuga iri mumuviri mako urambe wakadzikama, ukasadaro, inokwanisa kukwirisa zvine njodzi huru.

shuga kazhinji inoiswa mugwara nekemikari inogadzirwa nemuviri wako inonzi 'insulin'. Kune mhando mbiri dzechirwere cheshuga. Pamhando yekutanga yechirwere cheshuga, bazi rokuzvidzivirira remuviri wako rinorwisa masero anogadzira 'insulin', saka haukwanisi kuwana 'insulin' yakakwana kuita kuti uwandu hwesuga yako ugare uri panhanho yakanaka. Pamhando yechipiri yechirwere cheshuga, muviri wako unomira kugadzira kana kudairira kuinsulin' nenzira yakanaka. Izvi zvinoreva kuti nhanho yeshuga yako inobva yakwirisa. Mhando idzi dzose dziri mbiri dzine njodzi nekuti kuva neshuga yakawanda muropa mako kunokuvadza tsinga dzako, moyo maziso, itsvo nedzimwe nhengo dzemuviri.

Kuti uderedze mukana wekuwana chirwere cheshuga: 

a)rovedza muviri nguva nenguva  

b)rarama hupenyu hune hutano  

c)idya chikafu chine hutano 

d) tevedzera mushonga wako weantiretroviral kana une hutachiona hweHIV.
 

Zviratidzo zvinonyanyoonekwa pachirwere chemoyo ndeizvi  

a)kunzwa nyota 

b) kuita weti zvakadarikidza  

c)kunzwa kunyanyoneta  

d)kusaona zvakanaka.  Kana uchinzwa chimwe chezviratidzo izvi unofanira kutaura nemushandi wezvehutano.

Chirwere chemoyo chinotsanangura musanganidzwa wezvirwere zvinokanganisa moyo. Rimwe rematambudziko anonyanyokanganisa moyo kuva netsinga yeropa nhete kana yakavharika. Idzi ndidzo chubhu dzinofambisa ropa rako mumuviri wako. Kuva netsinga dzeropa nhete kunoita kuti moyo wako uremerwe. Tsinga dzeropa nhete dzinokonzera   

a)kumira kurova kwemoyo- apo moyo unotadza kana kumira kupomba ropa   

b) sitiroko- apo ropa rinomira kuenda kupfungwa   

c) kukundikana kwemoyo- apo moyo unotadza kupomba ropa rakakwana kune zvinodiwa nemuviri. 

Zvinogoneka zvakare kuve nematambudziko nemhasuru mumoyo kana zviratidzo zvinopa masimba kumarovero emoyo. Vanhu vane hana dzisingarovi zvakajairika vanogona kunzwa kakupepereka kana kusagadzikana pachipfuva chavo, kutadza kufema zvakanaka, kunzwa kupera simba kana kufenda. Taura nemushandi wezvehutano kana une chimwe chezviratidzo izvi.

Mhando zhinji dzechirwere chemoyo dzinogona kudzivirirwa or kuiswa mugwara nekurarama hupenyu hune hutano. Kurovedza muviri, kurega kusvuta nekuderedza kudya chikafu chine mafuta ndidzo dzimwe dzenzira dzakanakisa kuchengetedza moyo netsinga dzako.