Boost

Jekiseni rePrEP ndeimwe mhando yemushonga unoshandiswa kuti munhu asina HIV asabatira hutachiona uhwu. Mhando iri kunyanya kuwanikwa mazuvano inonzi long-acting injectable cabotegravir (or CAB-LA). Kana munhu akashandisa majekiseni ePrEP zvakanaka, kubatira kwavo hutachiona kuburikidza nekuita bonde kusikarudzi yemudzimai kana kumagadziko kunoderedzwa kusvika pedyo nezero. 
 

Vehutano ndivo vanofanira kukubaya majekiseni ayo anobaiwa kumagadziko. Chekutanga, munhu anofanira kuongororwa kuti haana HIV here. Anobva abaiwa majekiseni maviri, ayo anobaiwa kamwe pamwedzi. Mushure mezvo, munhu anosungirwa kudzoka kukiriniki mwedzi wega wega kuti aongororwe ropa uye apihwe rimwe jekiseni. Vamwe vanhu vanoona kunge zviri nani uye zvakachenjera kubaiwa jekiseni rePrEP pane kunwa mapiritsi zuva nezuva.


Majekiseni ePrEP haawanzowanikwa. Kana uchida kuona kuti majekiseni ePrEP anowanikwa maugere here, enda pa www.prepwatch.org

PrEP vaginal ring, imhete diki, yakapfavira inoisa mushonga zvishoma nezvishoma musikarudza yemunhukadzi. Rinozivikanwa nezita rekuti dapivirine ring. PrEP vaginal ring inoita kuti munhu asabatira hutachiona akaita bonde kusikarudzi yemunhukadzi. Haikwanise kudzivirira hutachiona kana pakaitwa bonde rekumagadziko. 
 

Munhu anenge achishandisa PrEP ndiye anoisa mhete iyi kusikarudzi yake. Mhete iyi inofanira kuiswa maawa anokwana 24 usati waenda pabonde. Inokwanisa kugara musikarudzi kwemazuva 28 pasati paiswa imwe. 
 

Vaginal ring yePrEP hainyatsoshande sezvinoita jekiseni kana piritsi rePrEP. Asi vamwe vanhu vanofarira kushandisa maring ePrEP nekuti vanokwanisa kuchengeta mamwe kumba, saka vanoenda kukiriniki kashoma.

Nzira yaunogona kushandisa kuona kuti munhu anogona kubatsirikana nekushandisa PrEP here ndeyekubvunza mibvunzo inotevera. 
 

Mumwedzi mitanhatu yapfuura: 

• wakaenda pabonde nevanhu vaviri kana kudarika here? 

• wakaenda pabonde usina kupfeka kondomu here? 

• wakaenda pabonde nemunhu ane hutachiona hweHIV here kana kuti nemunhu wausingazive kuti ane hutachiona here kana kuti kwete. 

• wakabatwa chibharo here? 

• wakambonwa maPEP here? (mushonga wekudzivirira HIV) 

• wakamborwara nechirwere chepabonde here? 

• wakambobaiwa mahormone kana zvinodhaka here? 

Kana uchida kuti munhu wauri kutaura naye akupindure uye asakunyepera, bvunza mibvunzo iyi nenzira isina kushora asi inoratidza kuti uri kuda kubatsira. 

Tanga nekutsanangura kuti PrEP mushonga unogona kushandiswa nevanhu vasina hutachiona hweHIV kuti vasabatwe nehutachiona pavanoenda pabonde. 
 

Tsanangura kuti pane marudzi matatu ePrEP: mapiritsi, majekiseni kana mavaginal rings. Vataurire marudzi ePrEP anowanikwa munharaunda mavo uye kuti anoshanda sei. Ruzivo pamusoro pekuti mhando imwe neimwe yePrEP inoshanda sei rwunowanika muBoost unit ino. 
 

Zvakakosha kuzivisa vanhu kuti havasungirwe kushandisa PrEP kweupenyu hwavo hwese. Vanogona kungoishandisa kana vari panjodzi huru yekubatira HIV. (Semuenzaniso, kana vachienda pabonde kakawanda vasina kondomu kana kuti vasingazive kuti mumwe wavo ane hutachiona here kana kuti kwete) 
 

Jekesa kuti kunyangwe PrEP ichibatsira kudzivirira HIV, haidzivirire zvimwe zvirwere zvepabonde, saka kushandisa kondomu kwakakosha. 

Nyatsostanangura kuti chii chinonzi PrEP, mashandiro ayo, uye marudzi akasiyana ariko. 
 

Tsanangura mashandiro ePrEP uchishandisa dingindira rekuzvichengetedza. Zivisa vechidiki kuti kushandisa PrEP inzira inochengengetedza hutano hwavo. Kana vakasarudza kuishandisa, vanofanira kunzwa kudada kwete kunyara nazvo. 
 

Usamanikidza vechidiki kushandisa PrEP. Ipa rutsigiro usingashore, kuitira kuti vasarudze vega kana PrEP yakavanakira kana kuti kwete. Ipa dzidziso inobata munhu wega wega nemararamiro ake uye teerera zvichemo zvavo. 
 

Ramba uchikurukura nekutaura nezve PrEP mune dzimwe hurukuro dzaunoita navo. Izvi zvinogona kubatsira kuti vanhu vaone hukama huripo pakati pehupenyu hwavo nenjodzi yavari mairi yekubatira HIV, uye vokwanisa kuona kuti PrEP inogona kuvabatsira here. 

PrEP haina kunakira munhu wese. Kana munhu asiri panjodzi yekuwana hutachiona hweHIV, semuenzaniso kana vachiita bonde rakachengetedzeka, PrEP inenge isina basa. 

Kana munhu asingakwanise kutevedzera mashandisirwo anenge akatarwa nevehutano, kana vachitya kukuvadzwa, zvakanaka kuti vatsvage dzimwe nzira dzekuzvidzivirira. 
 

Ona kuti wechidiki arikunyatsonzwisisa zvinhu zvese zvaanogona kushandisa uye arikuvimba nekuita sarudzo maringe nehutano hwake.
 

 

Vamwe vanhu vanoshora nekufungira vanhu vanoshandisa PrEP. Iyi ndiyo inonzi PrEP stigma. Vanhu vanogona kufungira kuti vanhu vanoshandisa PrEP vanoita zvechipfambi kana kuti vanoita bonde rine njodzi. 
 

Kugara tichitaura pamusoro pePrEP seimwe nzira yekuzvichengetedza uye sesarudzo yakanaka maringe nehutanozvinogona kubatsira kuderedza kusatambirwa kwePrEP. Zvinogona kubatsira kutsanangura kuti PrEP inochengetedza hutano uye hairatidze hunhu hwemunhu.

Vape rutsigiro runovasimbisa nekusavashora. Kana munhu achifunga kuti anogona kupinda munjodzi kana kuti pane paari kukanganisa, haauye kuzotsvaga rubatsiro. 
 

Ona kuti vanzwisisa kuti PrEP inongoshanda chete kana vakaishandisa zvakanaka. Izvi zvinoreva kuti vanofanira kunwa mapiritsi zuva rega rega, kuramba vachienda kunobaiwa majekiseni ePrEP, kana kuchinja vaginal ring yavo mushure memazuva 28 ega ega. Zvinoreva zvekare kuti vanofanira kuongororwa ropa nguva nenguva. Kana munhu aisashandisa mapiritsi ePrEP zvakanaka akabatira hutachiona hweHIV, kuramba achishandisa PREP kunogona kuti mushonga weHIV usanyatsoshanda zvakanaka. 
 

Kana munhu achinetseka nekuramba achinwa mapiritsi, mukurudzire kuti ashandise alarm, app yepafoni kana mudziyo wekuronga mapiritsi (pill organizer) kuti asakanganwe kunwa mushonga. Anogona kutsvaga nzira dzinomuyeuchidza kuti aende kunobaiwa kana kuti achinje vaginal ring. 
 

Vanhu vanogona kutya kurwara. Saka vatsanangurire vasati vatanga kushandisa PrEP uye vape rutsigiro kana vachinge varwara. Sangana navo nguva nenguva kuti mukurukure matambudziko avanogona kusangana nawo nekuvapa kurudziro. Vakurudzire kuti vatsvage vechidiki vari kushandisa PrEP kuti vagoverane zvavari kusangana nazvo, sezvo zvichigona kurerutsa kuti varambe vachishandisa PrEP.

Hongu, PrEP inogona kushandiswa nevakadzi vetransgender vari kuitwa hormone replacement therapy (HRT). Ongororo inoratidza kuti PrEP haikanganise mashandiro anoita ma gender-affirming hormones. Izvi zvinoreva kuti unogona kukurudzira vakadzi matransgender kuti PrEP inogona kushandiswa pamwe neHRT. 
 

Zvinokurudzirwa kuti vakadzi vetransgender vari paHRT vataure nevehutano vasati vatanga PrEP. Kuti uone kudyidzana kunoita PrEP neimwe mishonga, enda pa www.hiv-druginteractions.org. 

Hongu, munhu anozvibaya zvinodhaka anogona kubaiwa jekiseni rePrEP. Izvi zvinovachengetedza kubva kuHIV iyo inogona kutapukirana pabonde. Asi hatinyatsozive kana ichidzivirirawo zvekare HIV inobva mukubaiwa zvinodhaka. 
 

Kana uchibatsira munhu ari kuzvibaya zvinodhaka, zvakanaka kuti uvataurire nezve PrEP nedzimwe nzira dzekudzivirira nadzo HIV dzakaita semakondomu. Zvakakosha zvekare kuti uvaratidze nzvimbo dzavanogona kubatsirwa kuti vadzivirire njodzi dzavanogona kusangana nadzo nekuda kwekushandisa zvinodhaka izvi.

PrEP (chero mhando) inogona kushandiswa nemunhu ari kuedza kubata pamuviri, ane pamuviri kana ari kuyamwisa. PrEP haikanganise kuti munhu abate pamuviri. 
 

Munhu akashandisa PrEP aine pamuviri haabatiri hutachiona hweHIV. Inoita zvekare kuti mwana asabatira HIV ari mudumbu, paanozvarwa uye pakuyamwa mukaka. 
 

Kana uchitaura nevanhu vane pamuviri kana vari kuedza kubata pamuviri pamusoro pePrEP, zvakakosha kuvazivisa kuti vanhu vakazvitakura kana vachangobva kusununguka vari panjodzi huru yekubatira HIV. Kuwana HIV wakazvitakura kana uchiyamwisa kunowedzera njodzi yekuti hutachiona huende kumwana ari mudumbu kana mwana mucheche.

Kutora PrEP usingazive kuti une utachina  hweHIV kunokanganisa utano hwako. PrEP inopa mwero wakaderera wemishonga yemaAntiretroviral treatment (ART). Kana ukatevedza zvakanaka, huwandu hweART uhu hunokwana kuti urege kubata utachiona hweHIV, asi kana wagara watova neutachiona hweHIV zvinogona kuita kuti  usawirirana nemishonga utachiona hweHIV. Apa ndipo panomira ART yako kushanda. ART ishoma haikwanise  kumisa utachiona kuti husawandane, asi, utachiona hweHIV hunokwanisa kuzvishanduka kuti ugone kudarika kushanda kweART uye kugadzira makopi matsva ayo zvakadaro. 

Kuongororwa nguva nenguva uchitora PrEP zvinoreva kuti unokwanisa kuona kuti une utachiona hweHIV nekukasika, saka unogona kudzivirira kuti utachiona hweHIV usarambe mishonga. Kutora PrEP sekurairwa kunoita kuti usabate utachiona hweHIV.

Hongu! PrEP haikutadzise kubata pamuviri uye haina njodzi kuvakadzi panguva yekubata pamuviri, pamuviri uye pakuyamwisa. PrEP ndiyo imwe yenzira idzo vakaroorana vane utachiona hweHIV hwakasiyana-siyana vanogona kuedza kuita mwana zvisina njodzi.

Kana uchida kuita mwana, asi funga kuti uri panjodzi huru yekubatwa nehutachiona hweHIV, uye PrEP inogona kunge iri sarudzo yakanaka kwauri. Kana vanaamai vakawana hutachiona hweHIV panguva yekuzvitakura nekuyamwisa, zvinoisa vana vavo panjodzi. Izvi zvinodaro nekuti huwandu hwehutachiwana hwako hwakanyanya mumavhiki ekutanga mushure mekuwana huchationa hweHIV. Kutora PrEP kunodzivirira mese iwe nemwana wako, saka munokwanisa kugara musina utachiona hweHIV panguva yese yekuzvitakura, pamuviri nekuyamwisa. 

Vanhu vane zviitiko zvakasiyana zvavanosangana nazvo pakutora PrEP. Vanhu vazhinji havana mazviratidzo, ukuwo vamwe vangasangana nezvinhu zvakadai sekusvotwa, kurutsa, kuneta uye dzungu, asi izvi zvinowanzopera mushure mevhiki kana maviri.

Zviratidziri zvekunwa PrEP  zvobuda nguva yareba zvishoma. Vanosvika zvikamu zviviri kubva muzana zvevashandisi vePrEP vanogona kuve nekudzikira kudiki mukushanda kweitsvo, asi izvi zvinowanzodzokera panzvimbo kuna uchipedza kutora PrEP. Ndosaka zvichikurudzirwa kuti vanhu vari paPrEP vagare vachiongororwa utano kuitira kuti vashandi vezvehutano vatarise hutano hwavo.

Kana mumwe munhu achifunga kuti ari kusangana nezviratidzo zvePrEP, anofanira kutaura nemushandi wezveutano.