Boost

TB inokwanisa kurwisa mishonga miviri yakasimbisa inova inoshandiswa kurapa chirwere ichi- isoniazid nerifampicin. Kana hutachiona hweTB husingachakwanisi kurapwa neumwe wemishonga iyi, inobva yadanwa kunzi TB yekurwisa mishonga yakawanda.

TB inorwisa mishonga yakawanda ine dambudziko hombe.  Kazhinji kurapika kweTB kuri pazvikamu makumi manomwe kubva muzana, asi kana yave kurwisa mushonga, kushanda kwacho kunoderera kusvika kana pamakumi mashanu. Pazhinji pacho TB inorwisa mishonga inowanika kana TB ine munhu ichirwisa kune mimwe mishonga kusanganisira isoniazid nerifampicin.  Chikamu chetatu chete pavanhu vane TB inorwisa mushonga ndicho chinokwanisa kuzorapwa zvichibudirira.

TB inorwisa mishonga mizhinji inowanzowanika kana munhu achinge atadza kutevedzera manwiro emushonga wake weTB. Izvi dzimwe nguva zvinokonzerwa nekusabatwa zvakanaka kwevanhu kuchipatara, semuenzaniso, kana vakasapa murwere mishonga yaanenge achifanira kuwana nenguva chaiyo. Zvinogona zvakare kuitika kana munhu aona zvichimuremera kutora mushonga.

Uko TB isingaurayiwi nemishonga yakajairika munharaunda, zvinokwanisika kutapukirwa nerudzi rweTB inenge yatove nekusagadzikana usati watanga kurapwa.

Vagadziri vemitemo nenyanzvi dzehutano pasi rose vari kutsvaga nzira dzekupindura nekukwira kweTB isingaite zvinodhaka. Parizvino, chinonyanya kukosha ndechekuti vanhu vatore marapirwo avo nemazvo uye vagowana rubatsiro rwakakwana pamusoro pekutevedzera mitemo.

Hongu, nhomba yeBCG inokwanisa kudzivirira kubva kuTB. Nhomba iyi inoshanda zvakanyanya kurwisa mhand dzeTB dzakaomesa kusvika pazvikamu zvikumi zvisere kubva muzana, zvisinei, dziviriro kubva kuTB yemapapu yakati shomekei.

Nhungamiro dzekuti ndiani anofanira kuwana nhomba dzinsiyana nekwauri pari rose. Kunyika dzine mikana yakakwirira yekuwana TB, bazi rezvehutano repasirose (WHO) rinkurudzira kuti vacheche vawane nhomba yeBCG pavanozvarwa. Zvisinei, hazvikurudzirwe kuvana vacheche vanenge vane hutachiona hweHIV, sezvo vana vane hutachiona hweHIV vachigona kuzonyukira zvirwere zvakada kuita seTB nekuda kwenhomba.

Hutachiona hweTB hunofa mbichana mbichana. Kuti uve nechokwadi chizere kuti hutachiona hwaenda, unofanira kuramba uchitora mishonga yawakarairwa kusvika nguva yakwana. Unogona kukurumidza kutanga kunzwa zviri nani, asi unofanira kuramba uchitora mishonga yako kusvika kosi yapera.

Kana ukasapedza mishonga yako yese or kuinwa nguva dzakasiyana siyana dzisina kukwana, inogona kumira kushanda. Zvinoita kudaro nekuti unenge usina mushonga wakakwanira muviri wako, hutachiona hunokwanisa kuramba uchikura nekudzidza kuti wopfuura sei mushonga. Zvinoreva izvo kuti mune ramangwana rako hutachiona hwak hweTB huchanetsa kurapa. Kana hutachiona hwako hweTB hwave kurwisa, mikana yako yekuti urapike inobva yaderera uye unenge wave kufanira kuramba uchitora mushonga kwenguva yakareba.

Imwe nzira yekubatsira nayo vanhu kuti vatore mishonga yavo ndeyekucherechedza munhu wakanangana naye (DOT) inzira yekutora mushonga. Inosanganisira kusangana nemushandi wezvehutano, mudunhu or kumba, kuti vatarise nekuona kuti uri kutora mishonga yako zvakanaka. Iyi inzira inoshandiswa zvakanyanya paTB and inonyanyobatsira avo vanonetsekana nekutevedzera mishonga yavo. DOT inonyatsoshanda kana vashandi vezvehutano vakashandisa misangano iyi kupa varwere rutsigiro. Vanokwanisa kuvabatsira kuti vatarise zvingagone kunyuka nekuda kwemushonga. Bazi rezvehutano repasirose (WHO) parizvino irikuita tsvakiridzo yekuti vangashandise here mbozhanhare vachitaura nemipikicha senzira yekupa DOT zvisingade mari yakawanda uye zvichichengetedza nguva.

Pane zvinhu zvinoita kuti munhu ave panjodzi yakanyanya yekurwara neTB. Zvinhu izvi zvinosanganisira:

. Kurwara neshuga (Diabetes)

. Kuve nemasoja emuviri asina simba (semuenzaniso, kuva neHIV, kunyanya kana usiri kunwa mapiritsi, kana AIDS)

. Kushaya zvekudya zvinovaka muviri

. Kuputa fodya

. Kunwa doro rakawanda

. Kugara nemunhu ari kurwara neTB.

Vanhu vanofanira kugara vachiongororwa TB vanosanganisira:

. Vanhu vanogara nemunhu ane TB

. Vanhu vane HIV

. vana vadiki nevabva zera

. vanhu vachembera

. veutano

Vanosanganisira zvekare vanhu vanogara munzvimbo yakamanikana, vasina chikafu chakakwana uye vasina zvipatara zvakanaka, vakaita se:

. vanhu vanotambura, kunyanya mumadhorobha

. vanhu vakatama nekuda kwehondo kana zvimwewo

. vanhu vari panjodzi yakanyanya yekubatira HIV, kunyanya vari mumajeri nevanoputa zvinodhaka

 

Magwaro akabva kuWorld Health Organization (WHO) anotaura kuti vanhu vane hutachiona hweHIV vari panjodzi yakapetwa kagumi netatu kubatira TB kupfuura vanhu vasina HIV.

TB ndiyo inonyanya kuuraya vanhu vari kurarama neHIV. HIV neTB mubatanidzwa wakaipa, sezvo kuvapo kwezvirwere zviviri izvi kunokonzera kuti munhu arware zvakanyanya.
Vanhu vari kurarama nehutachiona hweHIV vanofanira kuwana nekunwa maART kuti vakwanise kuderedza njodzi inokonzerwa neTB. ART inosimbisa masoja emuviri, ayo akakosha mukurwisa hutachiona hweTB.  Kunyangwe ART ichideredza mukana wekuti vanhu vari kurarama neHIV vawane hutachiona hweactive TB, vanhu ava vari panjodzi huru kudarika vanhu vasina hutachiona hwe HIV, kunyanya kana vachigara munzvimbo dzine vanhu vakawanda vane TB.

Zvakakosha kuti vanhu vane HIV vawane mushonga wekudzivirira TB. Sangano reWHO rinokurudzira kuti vanhu vakuru nevana vese vabva zera vane hutachiona hweHIV vanwe mushonga wekudzivirira TB pamusoro pekunwa ART senzira yekuzvichengetedza zvisinei nekuti CD4 cell count yavo yakaderera here kana kuti kwete.

Vanhu vari kurarama nehutachiona hweHIV vanofanira kumhanyiswa kuchipatara kana vachiratidza kunge vane TB. Vanhu vanenge vabatwa kuti vane TB vanofanira kuvhenekwa kuti havana hutachiona hweHIV here.

Pavanhu vese vanobatwa TB, 5-10% ndivo vanozoita active TB. Zvinhu zvinoisa munhu panjodzi yekurwara neTB zvakawanda, uye zvinosanaganisira HIV (verenga 'Ndiani ari panjodzi yakanyanya yekurwara neTB?')

Zvakakosha kuti mushonga wekudzivirira TB upihwe kuvanhu vari panjodzi yakanyanya yekubatira nekurwara nechirwere ichi. Vehutano vanoongorora munhu ari panjodzi kuti haana active TB here vasati vaongorora kuti angade mushonga wekudzivirira TB here.

Mushonga wekudzivirira TB unouraya hutachiona husati hwarwarisa munhu kana kumukuvadza mitezo yemuviri. Kana ukanwiwa zvakanaka, unogona kudzivirira kuti munhu asabatira hutachiona hweTB kwemakore akati wandei.

Kwave nemishonga mitsva yekudzivirira inonwiwa kwemwedzi umwechete kana kwemwedzi mitatu. Dzimwe nguva panogona kushandiswa mishonga inonwiwa kwemwedzi mitanhatu kusvika mipfumbamwe. Mishonga yekudzivirira inogona kushandiswa kune munhu ari panjodzi yemultidrug-resistant TB, iyo inonwiwa kwemwedzi mitanhatu. 
Kana munhu ari panjodzi yekubatira TB, zvakakosha kuti anwe mishonga yaanenge apihwa kuti hutano hwake husaenda panjodzi.

World Health Organization (WHO) inofungidizira kuti pane chidimbu chevana vane TB chisingazivikanwe nekuda kwekushaikwa kwemichina yekuongorora TB muzvipatara zvevana. Mwana mumwechete pavana vatatu ari mumba mune TB haapihwe mishonga yekudzivirira TB.

Izvi zvinogona kuchinja kana veutano nevemunharaunda vakabatana. Zvinosanganisira:

. Kupinda munharaunda tichishambadza pamusoro peTB muvana vadiki, vana vabve zera nemhuri dzavo

. Kuongorora vana vari munharaunda

. Kugovera mishonga yekudzivirira TB munharaunda dzine vana vari panjodzi yakanyanya yekubatira TB

WHO inokurudzira zvekare kuti makiriniki ape mishonga isingakuvadze vana vasina hutachiona hweTB hunokuvadza zvakanyanya. Mishonga iyi inonwiwa mumwedzi mina kwete mitanhatu. Izvi zvinokurudzirwa zvisinei nekuti vane hutachiona hweHIV here kana kuti kwete.

Kuona kuti vana vanwa mishonga yavo nemazvo here, ndicho chinhu chinonyanya kunetsa pakunwiwa kwemishonga yekudzivirira nekurapa TB. Izvi zvinogona kugadziriswa kana mukasangana nevana vari mumapoka, kusangana nevana vacho umwe neumwe, kupa rutsigiro kuvachengeti vevana ava uye kuongorora manwiro avari kuita mishonga yavo (semuenzaniso DOT).