Boost

Pre-cum (pre-ejaculation) inogona kubata utachiona hweHIV zvishoma. Pre-cum imvura yakachena inobuda munhengo yemurume varume vasati vabudisa urume. Mupre-cum mune hutachiona hushoma pane huri mumbeu, asi huchiripo. Izvi zvinoreva kuti nzira yekubvisa kana ‘kudhonza kunze’ haisi nzira yakavimbika yekudzivirira kutapurira hutachiona hweHIV.

 

Njodzi yekubatwa nehutachiona hweHIV kubva pabonde inogona kusiyana, zvichienderana nezvakawanda kwezvikonzero. Zvimwe zvacho zvinechekuita nemhando yebonde rauri kuita semuenzaniso bonde rekumashure kunobuda nako tsvina uye nemunhukadzi, vese vane njodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV kupfuura pabonde nemumuromo. Zvimwe zvinhu zvine chekuita neutano hwemunhu semuenzaniso kana uine njovhera, njodzi yako yekubatira utachiona hweHIV unowedzera. Chimwe chezvikonzero cheizvi ndechekuti njovhera zhinji dzinogadzira mvura paganda resikarudzi yako inogona kupa nzira iri nyore yekupinda utachiona hweHIV. Saizvozvowo, kana munhu achangobata utachiona hweHIV, ane mukana wakakura wokutapurira. Izvi imhaka yekuti uwandu hwehutachiona hweHIV hunenge hwakakwirira mumatanho ekutanga aya ekutapukirwa. Mukupokana, kana uchitevedzera kurapwakwko, njodzi yekuti uchatapurira utachiona hweHIV inova diki zvikuru uye inopedzisira kusvika pakupera kana isisaonekwe.

Kunyangwe zvakanaka kuziva kuti ndezvipi zvinhu zvinogona kuwedzera njodzi yemumwe munhu yekutapurira kana kuwana hutachiona hweHIV, nzira yakanakisa yekudzora njodzi yako yekubatira utachiona hweHIV ndeyekushandisa dziviriro dzakaita semakondomu nePrEP.

Hapana mushonga wekumisa kubata utachiona hweHIV. Kuti usingabatwe neutachiona hweHIV, unofanira kushandisa nzira dzekudzivirira utachiona hweHIV semakondomu kana PrEP uye usashandisa jekiseni rimwe chete nevamwe. PrEP ipiritsi rinogona kutadzisa vanhu kubata utachiona hweHIV kunyangwe vakaita bonde vasina kondomu nemumhu ane utachiona hweHIV. PrEP inobatsira zvikuru kudzivirira utachiona hweHIV asi haisi jekiseni, nekuti unofanira kuramba uchitora PrEP kuti uzvidzivirirwe. Kana wangomira kutora PrEP, unenge usisina kuzvidzivirira kubatwa neutachiona hweHIV.

Mushonga wePrEP unogara kwenguva refu unokudzivirira kwenguva yakareba (pasina kuti urambe uchirangarira mazuva ose) wakatenderwa kuti ushandiswe muUSA kutanga kwegore ra2022. Vatsvakurudzi vari kuedza kutsvaga nzira yekubaya nayo yekudzivirira utachiona hweHIV.