Boost

CD4 counts nekuongorora yeuwandu hweutachiona zvinoyera zvinhu zvakasiyana. Uwandu hweutachiona hwako hunoyera kuti utachiona hweHIV unenge wakawanda sei mumuviri wako ukuwo CD4 count yako inoyera hutano hwemasoja emuviri wako nekuverenga kuti une CD4 masero mangani. Uwandu hweutachiona hwako urinani kuyera kuti mushonga wakouri kushanda zvakadii, ukuwo CD4 count yako ichibatsira vashandi vehutano kuti vanzwisise kana uchizokwanisa kuramba uine hutano hwakanaka.

Kunyange zvazvo zvakasiyana, CD4 count yako nehuwandu hweutachiona zvinowanzobatanidzwa. Sezvo huwandu hwehutachiona hwako huchikwira, utachiona hweHIV inokuvadza masero eCD4 akawanda  zvokonzera kuti CD4 count yako idzikire. Kana watanga kurapwa hutachiona hwako hunobva hwadzikira, izvo zvinozopa kuti CD4 count yako ikwire, apo masoja emumuviri wako anogadzirisa nekuzvivaka patsva.


Kazhinji, CD4 count yako inopindura zvishoma nezvishoma kune shanduko mumuviri wako. Uwandu hweutachiona hwako unokwira nekudzika nekukasira zvichienderana nekushanda kana kusashanda kwemushonga, ukuwo CD4 count ichitora nguva yakawanda kuchinja. Ichi ndicho chikonzero ongororo yehutachiona iri iyo nzira inofarirwa yekutarisa kurapwa kwako.

Zvakakosha kuvaka hukama hwekuvimbana nechikwata chako chezveutano, sezvo unenge uchivaona kwenguva yakareba. Paunonyanya kutaura navo uye uchivaudza kuti uri kuita sei, ndipo paunowana kurapwa  kurinani.

Kuti uwane zvakanyanya kubva mumisangano yako, zvinobatsira kugadzirira nekunyora pasi chero mibvunzo yaunayo. Izvi zvichakubatsira kuyeuka kana paine zvinhu zvawaida kuvaudza. Zvakanaka kupindira nekubvunza mibvunzo kana usinganzwisisi zvauri kuudzwa nemushandi wako. Iwe unofanirwa kunzwisisa chero mushonga waunotora, ongororo dzaunoita, kana chero ongororo nekuendeswa kune vamwe . Kana ukanzwisisa zvakanyanya, zvinova nani nekuti zvinokubatsira kuva nehutano hwako uye zvinoita kuti unzwe uchidzora.


Kana iwe uchiona zvikwata zvakawanda vezvehutano maringe netambudziko ehutano, ivo vanofanirwa kusangana nekuziva kuti ndedzipi nzira dzehutano kana mushonga wauri kutora. Izvi zvichavabatsira kuona kuti hapana zvakashata pazviri.

Kana uine matambudziko, ziva kwaungaenda kunomhan'ara. Inogona kunge iri mutarisiri mukuru wehutano kana mumwewo munhu munharaunda yako kana hurongwa hwehutano.

Ronga misangano yako zvakanaka. Iwe unofanirwa kuedza kuve nechokwadi chekuti iwe unoziva nguva yauchazoonekwa zvakare usati waenda uye unoronge zvekare musangano chero ausingakwanise kuita. 

Kuongororwa utano hwauchawana hunoenderana nemushonga wauri kutora. Unogonawo kuongororwa zvakasiyana zvichienderana neCD4 count yako. Kazhinji vashandi vako vehutano vachafarira kuongorora:


a) mazinga esugar muropa rako - izvi zvinoratidza kuti muviri wako uri kutora sei simba kubva muchikafu
b) hutano hwechiropa chako - kuve nechokwadi chekuti unokwanisa kugadzirisa mushonga wako weantiretroviral nemazvo
c) kushanda kweitsvo dzako - kutarisa kuti vanogona kubvisa tsvina kubva mumuviri wako zvakanaka
d) kuwanda kwemafuta muropa rako, kuwanda kwemapfupa ako uye hutano hwepabonde.

Unofanirawo kuongororwa zvimwe zvirwere zvepabonde, hepatitis B neC pamwe neTB.

Zvizhinji ongororo idzi dzinogona kuitwa nekuongororwa ropa kana weti. Chiremba wako anofanira kutsanangura bvunzo dzavanoita, uye iwe unofanirwa kuudza chero dzimwe nyaya kana shanduko dzaunoona muhutano hwako. Izvi zvichavabatsira kukupa kutarisirwa kwakakodzera.